Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Mbudzi 04, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika VaJoram Gumbo vanosungwa vachipomerwa mhosva dzehuori.

Vachuchusi vehurumende vanoti havasati vagadzirira kuti dare rinzwe nyaya yehuori iri kupomerwa vaimbova gurukota rezvekushanyirwa kwenyika Amai Prisca Mupfumira.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voshanyira nzvimbo inogayiwa mvura yeMorton Jaffray.

Vamwe vagary vemuGweru vochema chema nekudhura kuti kuita magetsi asi ZESA ichiti iri kubatsira varombo.

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo kuzvipatara nekuramwa mabasa kwavanachiremba nekudzingwa kwevamwe.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yehuori hunonzi hwapa kuti nyika igwadame.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am, 4930, 13860 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG