Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 01, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Vashandi vehurumende vari pasi pesangano reApex Council vanoita chisungo chekuramwa basa nemusi weChitatu vachiti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nehurumende.

Hurumende inobvisa mitero pazvinhu zvinotengwa kunze kwenyika zvinoshandiswa munyaya dzemagetsi.

Dare redzimhosva rinoti mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, vanofanirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva vachitongwa nenyaya yekuda kubvisa hurumende zvisiri pamutemo. Mutongi wedare ramajesitireti kuMasvingo ati nyaya iyi ichatanga kunzwikwa mudare gore rinouya muna Ndira.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti nyika dzemuSADC dzine mukana mukuru wekuita hurongwa hunobatanidza vanhu vemudunhu rekuchamhembe kweAfrica. VaMnangagwa vataura mashoko aya nhasi kuBotswana uko kwanga kuchitoreswa mhiko, mutungamiri wenyika iyi, Va Mokgweetsi Masisi.

Pasi rose rinocherechedza zuva rekukurudzira kumiswa kwekumbunyikidzwa kwevatori venhau, kana kuti International Day to End Impunity Against Journalists.

Mutambo mukuru pakati peDynamos neHighlanders uriko nemusi weSvondo, asi maziso nenzeve dzese dziri kuzvichabuda pamitambo yezvikwata zviri kurwira kutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kuramwa mabasa kuri kuronga kuitwa nevashandi vehurumende vari pasi peApex Council, panguva iyo madhokotera ari kutiwo haakwanise kuenda kubasa sezvo vasina mari dzekufambisa kuenda kumabasa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG