Zimbabwe yotarisana nekupisa kunotyisa kusati kwamboitika munhoroondo yemamiriro ekunze munyika.
Varairidzi vakawanda vanoti vari kutyityidzirwa nevanofungidzirwa kuti vasori vachinzi vaende kuzvikoro kunobatsira vadzidzi vari kunyora bvunzo.
Madhokotera oisa musangano wekuronga matanho ekutora, ukuwo sangano reHealth Services Board richiitawo musangano waro wakanangana nekusaenda kubasa kwavana chiremba.
Vare kunze kwenyika votaura pamusoro pematambudziko akatarisana nenyika, uye zvingaitwe mukugadzirisa matambudziko aya.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamusoro pezvingaitwe mukugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum