Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 29, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Bhanga guru renyika rinozivisa kuti richaparura mari itsva yemunyika mukati memasvondo maviri ari kutevera senzira yekugadzirisa kushaikwa kwemari munyika pamwe nekugadzirisa zviri kunetsa mumabhanga izvo nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kudhindwa dhindwa kwemari yemunyika kunogona kukonzerawo inflation.

Mafuta edzimotokari anokwira zvakare izvo zvichaona mitengo yezvinhu zvakawanda ichikwirawo, kusanganisira mari dzekufambisa.

Kusanzwisisana koitika muTripartite Negotiating Forum, TNF, mamwe masangano anove nhengo dzeTNF achiti haasati atambira tsamba yekukokwa kumusangano unoitwa pasi pehurongwa hwe TNF.

Sangano rinorwira kodzero dzemhuka dzesangano reAdvocates4Eath rinoshora hurumende nekutadza kwayo kuremekedza kodzero dzemhuka. Sangano iri rinoti richaratidzira kusafara kwaro kuburikidza nekufamba netsoka kubva kuHarare kusvika kuHwange senzira yekutsvaga mari yekushandisa mukuchengetedza kodzero dzemhuka.

Zimbabwe yotarisana nekupisa kunotyisa kusati kwamboitika munhoroondo yemamiriro ekunze munyika.

Muchirongwa cheThe Connection pa na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika takatarisa nyaya dzinobata vechidiki panguva iyo simba remari yemunyika riri kuramba richipera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG