Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 28, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Dare reparamende raendesa masamanisi ekusungisa kambani yeFerts, Seed and Grain nekuzvidza dare iri nekuramba kuzopindura mibvunzo yekuti vakafambisa sei mari inosvika mamiriyoni mazana mana yavakapihwa pasi peCommand Agriculture.

Vagari vemuBulawayo voita dambudziko remvura zvotyirwa kuti zvinogona kukonzera hurerwere.

Zimbabwe Congress of Trade Unions yoramba ichinetsana nebazi rezvevashandi nenyaya yekugadzirisa matambudziko akatarisana nekambani ye National Social Security Authority

Nyaya yekuramwa mabasa kwavanachiremba nekushomeka kwavanamukoti yowedzera dambudziko remadzimai anofa achiyedza kusungunuka.

Munhau dzemitambo, Highlanders yotarisirwa nevakawanda kuti isimudze mukombe weChibuku Super Cup.

Muchirongwa cheLive Talk na8pm tiri kutarisa nyaya yezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende neZanu-PF uye kuti kuratidzira kwakaitwa neChishanu kwakabatsira here.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG