Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 25, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaudza vatsigiri vavo muHarare nhasi kuti zvirango zvakatemerwa vakuru vehurumende ndiro gomarara rauya nyika. Vanhu ava vange vafora mumigwagwa vachikurudzira kuti zvirango izvi zvibviswe.

Asi vanopikisa vanoti nyaya yezvirango iri kushandiswa neZanu-PF kuvanza kukundikana kwairi kuita kutungamira nyika nenyaya yehuori

KuSouth Africa nedzimwe nyika vamwe vanhu vanoratidzira vachikurudzirawo kuti zvirango zvibviswe asi vamwe vachiti hurumende ngaimire kutyora kodzero dzevanhu.

Gurukota rezvedzidzo Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya yevanasikana vari kusiyira chikoro panzira nenyaya yepamuviri.

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi ndivo vakakunda musarudzo dzakaitwa munyika iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende neZanu-PF uye kuratidzira kwaita vanhu nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG