Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 24, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Reserve Bank of Zimbabwe inoti yakapa varimi mari inosvika mabhiriyoni matatu pasina mvumo yeparamende sezvinotaurwa nebumbiro remutemo nekuti ndizvo zvayainge yaudzwa kuti iite nebazi rezvemari.

United Nations inoti Zimbabwe, Malawi neMozambique dzinoda mari inosvika mabhiriyoni mana kuti dzigadzirise matambudziko akakonzerwa nedutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti Cyclone Idai.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vopeta nhasi musangano mukuru wekutengeserana neRussia.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa voenda kunobata maoko kumhuri yekwaHilton Tafadzwa Tamangani uyo akafa neChishanu mapurisa achipomerwa mhosva yekumuita kafiramberi muHarare.

Nhasi tiri kuenderera mberi tichitarisa nyaya yezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru venyika.

Muchirongwa cheWomens Round Table na8pm tiri kutarisa nyaya yezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende neZanu-PF.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG