Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 24, 2018.


Nhau DzeShona Studio7

Dare reConstitutional Court rinorasa chikumbiro chemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, richiti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda sekuziviswa kwakaitwa neZimbabwe Electoral Commission.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzozeya mutongo wedare reConstitutional Court waturwa nemutongi mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba.

Vanhu vakawanda vopesana pamutongo waVaMalaba vamwe vachiti vakagara vazviona kuti vatongi vedare repamusoro soro vainge vakarerekera kuna VaMnangagwa, vamwe vachiti VaChamisa havana kuisa humboo hwakati tsvikiti mudare.

Hurumende yoenderera mberi nehurongwa hwekutoresa mhiko VaMnangagwa semutungamiri mutsva akasarudzwa musi wa Chikunguru 30.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvinoreva mutongo weConstitutional Court.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG