Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 28, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanotaura pakuvigwa kwAmbuya Maria Msika kuHeroes Acre muHarare vachiti mubato ravo munana Judas Iscariot vemubhaibheri avo vari kutadza kurara nekuda kuvabvisa pachigaro, izvo VaMagabe vati hazvisi kuzofa zvakaitika kana vachiri mupenyu.

Veruzhinji munyika, kusanganisira nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko, vanoti vari kushushikana zvikuru nedanho rehurumende rekuda kumbunyikidza vanhu vanofambisa mashoko vachishandisa social media yakaita se Whatsapp, Facebook, Twitter nezvimwe.

Dzimwe nyanzvi dzooma shaya nekuseka zvichitevera kuvhunduka kuri kuita hurumende yaVaMugabe mumvuri wayo, ichiti vanhu vari kuda kuipandukira.

Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinoti hurongwa hwaro hwekuratidzira mangwana varairidzi vachiburitsa homwe dzavo panze senzira yekuratidza kuti homwe dzavo dzizere mhepo, sezvo dzisina mari, huri kufarirwa zvikuru nemasangano everuzhinji, kusanganisirawo vashandi vehurumende.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Muzvare Teresa Dangwa, voita chirongwa chekubatsira vanasikana nherera.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mutoro mukuru wakatarisana nevanhukadzi panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe, mhuri zhinji dzichitadza kutenga chikafu nepamusana pekudhura, kana kuti hazvisi kuwanikwa muzvikoro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG