Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 01, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mapato manomwe anosangana muHarare achigadzirisa hwaro hwekushanda ari pasi pemubatanidzwa weMDC Alliance kuitira kuti vakunde Zanu PF musarudzo dzegore rinouya.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoudza gurukota rezvemari kuti ridzosere vechidiki pabasa kunyange hazvo VaChinamasa vakanga vamboti hurumende haina mari yekubhadhara vechidiki ava.

Vagari vekwaMutare vochema chema nekuvharirwa mvura nekanzuru yeguta ravo.

Vechidiki vekuZimbabwe vanga vari muchirongwa che Mandela Washington Fellowship vanoshanyira Studio7 nhasi uko vachataura pamusoro pezvavakawana muzvidzidzo zvavo muAmerica vasati vadzokera kumusha nemusi weChishanu.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zvinoreva chirongwa che Mandela Washington kune vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG