Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro, Zvita, 5, 2016.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

America inopa masangano mari inodarika mazana maviri nemakumi matanhatu ezviuru zvemadhora kuitira kuti masangano aya abatsirikane.

Vashandi vehurumende vobvunza mushandirwi zuva ravachapihwa muhoro waZvita, uye pavachipihwa mabhonasi avo.

Makambani emigodhi anoti haakwanisi kuwedzera vashandi mari sezvo ari kuomerwa.

Vechidiki vanorarama neHIV votaura zviri kuvaomera muhupenyu.

Muchirongwa chedu che LiveTalk, nhasi tiri kutarisa nyaya yeHIV/AIDS.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro, Zvita 5, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG