Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro Mbudzi 28, 201


Nhau DzeShona Studio7

Reserve Bank of Zimbabwe inoparura mari yemabond notes nhasi iyo iri kutambirwa zvakasiyana siyana nevanhu munyika.

Vanhu vemuZimbabwe vobatana neCuba mukuchema VaFidel Castro avo vakashaya neMugovera.

Sangano reZimbabwe Election Support Network inoti panoda dzidziso kuvavhoti zvichitevera sarudzo dzakaitwa kuChimanimani neMugovera.

Makanzura ange adzingwa basa kuGweru odzokera mushure mekunge gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere vabvisa nyaya yavange vakwikdza kudare yekuti vadzingwe.

Caps inoenderera mberi nekupemberera kusimudza mukombe weCastle Premier Soccer.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekuparurwa kwemabond notes neRBZ

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook re VOA SHONA peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Mbudzi 28, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG