Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu Mbudzi 23, 2016.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Pastor Philip Mugadza vakasungwa vachiratidzira muAfrica Unity Square votarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu onetseka nekusiya chikoro kwoita vanasikana vachiroorwa vasati vabva zera.

Vatungamiri vesangano reZimbabwe National Liberation War veterans Association vomiswa pamberi pedare.

Vatsigiri venhabvu vogunun’una nekubirirwa zviri pachena kwavanoti kwakaitwa chikwata cheMaMighty Warriors pamutambo wacho neEgypt kuCameroon.

Zanu-PF Mashonaland Province inoti inoda kuti vatungamiri vebato vasarudzwe nevanhu kwete nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Disapora Forum tiri kutarisa nezvezororo reThanks Giving muAmerica uye mamwe mazororo anocherechedzwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318. Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chitatu, Mbudzi 23, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG