Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chipiri Mbudzi 22, 2016.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Nyaya yekutongwa kwevatungamiri vesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association yotanga kuzeyiwa nedare asi magweta avo achiti muchuchusi wehurumende haana kusarudzwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vanogadzira mbeu vanoti vane mbeu yakawanda mumatura avo asi hurumende haina mari yekuvabhadhara pazvirongwa zvayo zvekubatsira varimi.

Zimbabwe Peace Project inoti kuChimanimani West kuri kuda kuitwa sarudzo dzenhengo yeparamende kwatotanga mhirizhonga.

Crisis in Zimbabwe Coalition yoita musangano kuSouth Africa kuzeya nyaya yemamiriro akaita zvinhu munyika.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk-the Connection, tiri kutaura nevaimbi nevamwe vanoita zvemitambo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chipiri, Mbudzi 22, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG