Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro, Mbudzi 21, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mukuru wekambani yeZESA VaJosh Chifamba nhasi vaudza paramende kuti munyika munogona kuita dambudziko rekushaikwa kwemagetsi sezvo vari kutadza kubhadhara mari yemagetsi avanowana kubva kuSouth Africa neMozambique.

EU neUnited States voshora nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Veruzhinji muHarare vanoti havasi kufara nezvave kuitwa nevezvimwe zvitoro zvekunzi vatenge nemari chaiyo pakutenga zvimwe zvinhu kwetese kushandisa makadhi ekubhanga.

Achasimudza mukombe weCastle Premier Soccer League ozivikanwa pamutambo wekupedzisira-Caps neFC Platinum ndidzo dzasara mudariro.

Muchirongwa chedu cheLivetalk na8.00pm tiri kutarisa nyaya yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekunetsena kuri mubato ravo nezvechigaro chavo, asi kune rimwe divi mamwe matunhu achiti ngavarambe vari panyanga.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro, Mbudzi 21, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG