Nyaya yekushomeka kwemari yokanganisa kufambiswa kwemabasa muzvikoro.
VaTheo Bronlhorst vakabatsira kuuraya shumba yainge iine mukurumbira Cecil vanonzi nedare havana mhosva nekuti hapana humbowo hwakakwana kuti vachuchiswe.
Bato rePDP rinoti riri kuronga kukurudzira vanopikisa kuti vamire kukweretesa hurumende mari nekuti haisi kushandiswa zvakanaka.
Vaimbove vashandi vemakambani anochera mangoda kwaChiadzwa vanoti vari kudya nhoko dzezvironda mushure mekunge makambani avaishandira akatorerwa marezinesi ekushanda.
Muchirongwa chatinotaura nevaimbi, nhasi tine hurukuro nemuimbi Tatenda Seth Mahachi
Vatambi venhabvu veZimbabwe vane mukurumbira vave mukamba kugadzirira mutambo wavo wekuratidzana masimba neTanzania.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk, na 8 pm tiri kutarisa nyaya yekushomeka kwemari.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.
Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.