Gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo votarisirwa kumiswa pamberi pedare nhasi.
Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai vanoti nhaurirano naAmai Joice Mujuru dzichatanga kana pave nehwaro hwakajeka hwekuita sarudzo.
VeTajamuka voita musangano naGavhuna weRBZ Dr John Mangudya nenyaya yemabond notes.
Magweta oenda kumatare achikwikwidza nyaya yekuparurwa kwemabond notes.
Munhau dzemitambo, Zimbabwe Warriors yotamba neZambia mumutambo wekuyedzana simba.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8: 00 pm tiri kutarisa nezvekusungwa kwaMuzvinafundo Jonathan Moyo uye kunetsana kuri mubato reZanu-PF.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.
Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.