Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, China, Mbudzi 3, 2016.


Nhau DzeShona Studio7

Rimwe remabhanga akazivisa nezuro kuti vainge vasisazoramba vachiwana madhora ekuAmerica kana mabond notes avekushanda reStanbic rinoti raterera zvichemo zvevanhu uye richaramba richavapa mari yanoda. Apowo vezvitoro vave kuramba kupa vatengi mari kana kuti cash back sezvo dambudziko remari riri kuramba richikura munyika.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma votarisirwa kuita musangano wekudyidzana, neZimbabwe munezvema bhizinesi muHarare nhasi.

Tichange tichienderera mberi nenyaya yedu yekutarisa zviri kuitika mubato reZanu PF takatarisa mabatirwo emadzimai.

Tichange tichitarisa kusungwa kwava Jonathan Moyo vachipomerwa nyaya yehuwori.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-Women’s RoundTable chemadzimai na8:00pm tiri kutarisa nyaya yemabond notes.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi China, Mbudzi 03, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG