Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi, Chitatu, Mbudzi 2, 2016.


Nhau DzeShona Studio7

Mabhanga onyorera vanhu tsamba achivazivisa kuti vataure pfungwa dzavo panyaya yekupihwa mabond notes ivo vakaisa madhora ekuAmerica mumabhanga aya.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma votarisirwa muZimbabwe kumusangano wekudyidzana.

Mutevedzeri wemutungamira wenyika VaEmmerson Mnangagwa voshorwa nemagweta nemashoko avo ekuti hurumende iri kutsvaka VaItai Dzamara. VaMnangagwa vari kumusangano weUnited Nations wekodzero dzevanhu kuGeneva.

VeTajamuka voronga kuratidzira musi wa18 Mbudzi.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-Diaspora Forum na8:00pm tiri kutarisa nyaya yevabereki vari kunze kwenyika avo vari kusiya vana vari kuZimbabwe vamwe vacho vachinzi vanoguma voita musikanzwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chitatu, Mbudzi 02, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG