Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 17, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaparura gwaro rinoratidza gwara rehurumende rekutengesa kunze kwenyika zvinhu zvinogadzirwa muZimbabwe.

Mudare munoita makakatanwa magweta emutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, achiedza kuvharidza magweta emutungamiri weimwe MDC, Muzvare Thokozani Khupe, kuti asanzwikwe nedare panyaya yekuti mutungamiri weMDC ari pamutemo ndiyani?

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzopesana panyaya yezvirangano zvinonzi nehurumende zvakatemerwa nyika, MDC ichiti chauraya nyika huori, kwete zvirango, ukuwo Zanu PF ichiti zvirango ndizvo zvakasunga hupfumi mbira dzakondo nokudaro munhu wese anofanirwa kupinda muhurongwa hwekushoropodza zvirango izvi svondo rinouya.

Zvinhu zvoramba zvakaipa muzvipatara zvehurumende varwere vachiyaura nekushaya madhokotera anovabatsira zvichitevera kusawirirana kuripo pakati pehurumende nesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, iro riri kuti nhengo dzaro hadzikwanisi kuenda kubasa nemari yadzinotambiriswa.

Bazi rezvemhando dzemoto rinoti rinoda kuti mari yaro yemubhajeti regore rinouya iwedzerwe kuitira kuti rikwanise kuita basa rinogutsa veruzhinji.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika takatarisa vanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG