Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 06, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mhuri dzakawanda dzodzingwa mudzimba dzekanzuru yeHarare muGlen Norah zvichitevera kukundikana kwemhuri idzi kubhadhara mari dzemba idzi.

Komisheni inoona nezvesarudzo ye Zimbabwe Electoral Commission inoti chirongwa chekunyoresa vavhoti chichatora mwedzi miviri nechidimbu, uye ichaita basa iri pasina dambudziko.

Vanhu vanodarika chiuru nemazana matanhatu vanorumwa nezvimbwamupengo kuMashonaland West, munhu mumwe chete akafa nechirwere che rabbies mushure mekurumwa nembwa idzi…

Studio7 inotarisa zvakadzama zvingaitwe nemapato anopikisa kuti avake mubatanidzwa wemapato wakati tsvikiti.

Zimbabwe yokweshana neZambia neMugovera mufainari yeCosafa muSouth Africa zvichitevera kukunda kwayakaita Lesotho 4-3 nezuro, ukuwo Zambia ichidambura Tanzania 4-2.

Muchirongwa che Women’s RoundTable na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nemadzimai ane vana masope.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG