Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 05, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 05, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanonyorerana hwaro hwechibvumirano chekushanda nebato reTransform Zimbabwe, che Memorandum of Understanding naVaJacob Ngarivhume.

Vanhu vomera midzi vakamira mumitsetse vachida kutora mari dzavo mumabhanga muBulawayo, izvo zviri kuitikawo mumaguta ose ari munyika.

Vemabhazi anotakura veruzhinji vokurudzira kuti hurumende iumbe homwe yemari inozobatsira vanhu vanenge vawirwa netsaona dzemabhazi mumigwagwa…

Zanu PF inomanikidzwa kuvhara chikoro che Border Gezi kuZvishavane nepamusana pekushaya chikafu chekupa vechidiki vanenge vachiita zvidzidzo pachikoro ichi.

Zimbabwe yokweshana neLesotho muma semi finals eCosafa muSouth Africa.

Muchirongwa che LiveTalk na8pm tiri kutarisa zvingaitwe nevari kunze kwenyika mukuunza shanduko yezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG