Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 04, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vakawanda munyika vochema nemaitiro emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakapa sangano reAfrican Union chipo chemari inoita miriyoni imwe chete yemadhora panguva iyo Zimbabwe iri kunetseka nekushaya mari.

Zvotosvorana mubato reZanu PF zvichitevera kukandirana makobvu nematete kuri kuitika pakati paVaEmmerson Mnangagwa naVaJonathan Moyo.

Vemabhazi anotakura veruzhinji vokurudzira kuti hurumende iumbe homwe yemari inozobatsira vanhu vanenge vawirwa netsaona dzemabhazi mumigwagwa.

Rimwe sangano revechidiki muBulawayo roita ongororo pamatambudziko ari kusangana nevanhu munyika nepamusana pekushandiswa kwema bond notes.

America inocherechedza kusvitsa makore mazana maviri nemakumi mana nerimwe chete yawana kuzvitonga.

Muchirongwa che The Connection na8pm tiri kutarisa hurongwa hwevechidiki hwekunyoresa kuitira kuti vazovhota musarudzo dzegore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG