Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 03, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 03, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chimwe chikwata chevakarwa muhondo yerusununguko chosimudzira demo pamutsipa wegurukota rezvedzidzo yepamusoro soro, VaJonathan Moyo, chichiti ngavadzingwe mubato nemuhurumende nepamusana pekuzvidza kwavari kuita mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nekusaremekedza hurumende.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanopinda mumusangano weAfrican Union kuEthiopia vachipa sangano iri mari inoita miriyoni imwe chete yemadhora

Bato reZanu PF rokurudzira zvakasimba kutorwa kwemapurazi evachena avo vari kutorerwa minda yavo munguva yavanenge vokohwa zvirimwa zvavo.

Chikwata chenhabvu chenyika chinopinda muma semi finals zvichitevera kurova kwachakaita Swaziland, ukuwo Caps United ikarova Zamalek 3-1 mu National Sports Stadium nezuro.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambiro ari kuita zvikwata zviri kumirira nyika munhabvu yemuAfrica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG