Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 30, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Kanzuru yeHarare yodzima mvura ichiti iri kugadzirisa michina inochenesa mvura izvo zvasiya vagari vemuguta iri vasina mufaro.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoita musangano nevechidiki mubato ravo kuMasvingo.

Vashandi vekumabhanga voronga kuratidzira vachiti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa vashandi vekuEcoBank nebhanga iri.

Vamiriri vevadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro vanodyidzana nebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vanoparura chirongwa chinonzi Mudzidzivhota chinokurudzira vadzidzi kuti vanyorese kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kubuda pachena kwakaitwa nezuro naVaNkosana Moyo vachiti vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya uye bato ravo harisi kupinda mumubatanidzwa wemapato.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG