Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 29, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 29, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbove mutungamiri weBotswana, Va Quett Ketumile Masire, vanoradzikwa muBotswana, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti varasikirwa neshamwari yepamoyo yanga yasara mudunhu reSADC.

Mapurisa anokonzeresa tsaona yakuvadzisa vana vechikoro pakati peguta reHarare, mutyairi achibva afa ipapo mushure mekunge mapurisa akanda masipaiki pakombi yanga yakatakura vana vechikoro ava.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zvinoreva kunyuka kuri kuita vanhu vari kuda kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nemadzimai anorarama nehutachiwona hweHIV uye zvirikubuda kumusangano we HIV/AIDS uri kuitirwa muWashington uye uchipindwawo nevanhu vakabva kuZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG