Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 28, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe vomirira kunzwa mutongo uchapihwa nedare redzimhosva zvichitevera kukwidzwa kwakaitwa nyaya yekudzingwa kwavo mudzimba dzepachikoro apa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Sangano reZimbabwe Citizens Initiative rinoparura chirongwa chekushambadza kushungurudzwa kunenge kuchiitwa vanhu munzvimbo dzakasiyana siyana pachishandisa App inonzi Ziso.

Nyanzvi dzoshora zvakadzama kupindira kwemauto munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika dzichiti izvi zvinovhiringa budiriro yenyika.

Zimbabwe yokweshana neMadagascar mumakwikwi eCosafa ari kuitirwa muSouth Africa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nezvekuparurwa kwechirongwa chekushambadza kushungurudzwa kunenge kuchiitwa vanhu munzvimbo dzakasiyana siyana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG