Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 26, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vamwe vadzidzi vepa University of Zimbabwe vanoratidzira vachiti havasi kufara nekukwidzwa kwakaitwa mari dzavo dzechikoro.

Zimbabwe inocherechedza zuva rekurwisa zvinodhaka, kana kuti International Day Against Drug Abuse.

Pasi rose rinocherechedza vanhu vakatochwa kana kuti zuva reInternational Day in Support of Victims of Torture.

Vari pamudyandigere voita sangano ravo rinorwira kodzero dzavo sezvo vari pamudyandogere ava vari kutarisana nematambudziko akawanda.

Kambani yeNational Social Security Authority yotsakatisa mari dzakawanda.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zuva reInternational Day in Support of Victims of Torture.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG