Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 22, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vatyairi vedzimotokari vataura mafungiro avo zvichitevera kuparurwa kwechirongwa chekubhadhara mari dzema tollgate vachishandisa Ecocash.

Dzimwe nhengo dze National People’s Party kuMatabeleland South dzobuda mubato riri kufanotungamirwa naAmai Joice Mujuru dzichienda kuMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Nyaya yekudoma munhu kuitwa gamba renyika yotsviriridza munyika vamwe vanhu vachiti chirongwa ichi chinofanirwa kuva chenyika yose kwete kuitwa cheZanu PF chete sezviri kuitika.

Nyanzvi dzotaura pamusoro pechirongwa che Test Tube Babies icho chakabudirira kekutanga munyika.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm tiri kutarisa zviri kubuda kumusangano we CODEPA muBulawayo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG