Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 20, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi,Chipiri, Chikumi 20, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Justice Rita Makarau vanoti vakagadzira kuita hurukuro nemapato uye masangano anoongorora sarudzo ari kuti haasi kufara nenyaya yekuti vanhu vari kunzi vauye nemagwaro epavanogara kuti vakwanise kunyoresa kuvhota.

Amai Grace Mugabe voenda kunobata maoko kumba kwemuimbi cde Chinx vachiti murume wavo VaRobert Mugabe anehushingi sezvo akakwanisa kutorera vachena minda zvave kuda kutevedzerwa neSouth Africa neNamibia.

Mutori wenhau Eversn Mushava anombodaidzwa nemapurisa kuHarare Central kuti ape huchapupu munyaya iri kupomerwa vaive sachigaro weZanu-PF kuMashonaland Central VaGodfrey Tsenengamu yekuda kukurudzira vanhu kuti vapandukire hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vamwe varimi vochema chema nenyaya yekuti chibage chavo hachisi kutambirwa neGMB chichinzi chine hunyoro hwakawandisa.

Website yechikoro cheHarare Institute of Technology yokanganiswa mashandiro nevanhu vari kuti vanoda mari kuti itange kushanda zvakanaka.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk the Connection nhasi tiri kutarisa hurongwa hwekuratidzira hwevechidiki vari pasi pemubatanidzwa weNERA, Tajamuka nemamwe masangano vachiti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG