Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 19, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 19, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dambudziko rekushaya mari munyika roramba richikura izvo zvovhiringa vanhu vakawanda kusanganisirawo vemabhizinesi.

Mapato anopikisa obatana nemasangano akazvimirira anoongorora zvine chekuita nesarudzo mukushoropodza Zec iri kuda kuti vanhu vachavhota gore rinouya vape humbowo hwekuti vanogara papi munyika.

Komiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko inoshanyira kambani yenhepfenyuro ye Capitalk uko inoudzwa kuti kambani iyi haisi kutevedzera zvayakapiwirwa rezenisi.

Munyori wezvemabasa muZanu PF, Va Ignatius Chombo, vanoti vachakamirira kunzwa kumatunhu ebato ravo kana paine chikumbiro chekuti VaChinx Chingaira voitwa gamba here kana kuti kwete zvisineyi kuti dunhu reHarare rakatobuda pachena nechikumbiro charo.

Muchirongwa cheLIveTalk na8pm tiri kutarisa hurongwa hwe Zec iyo iri kuda kuti vanhu vachavhota gore rinouya vape humbowo hwekuti vanogara papi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG