Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 16, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vakawanda vanonyunyuta vachiti vamanikidzwa kuenda kumusangano waVaMugabe waitirwa muSakubva stadium nhasi kwaMutare.

Zimbabwe inocherechedza zuva reAfrican Child apnguva iyo kodzero dzevana dziri kumbunyikidzwa munyika.

Vechidiki vanobva kumapato eZanu PF, MDC nemamwe anoungana muBulawayo vachikurudzirana kunyoresa kuvhota.

Vachidiki veZanu PF vanosvika makumi matatu nevapfumbamwe vanosungwa kuChinhoyi vachinzi vari kuchera goridhe zvisiri pamutemo.

ZimRights yodzidzisa vanhu kumaruva kunaka kwakaita kugarisana murunyararo.

Muchirongwa cheLIveTalk na8pm tiri kutarisa zuva reAfrican Child, uye zvarinoreva kuvana veZimbabwe panguva ino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG