Muimbi ane mukurumbira mu South Africa, Lundi, anoshaya.
Mvura yonaya zvakanyanyisa zvekuparadza zvivakwa pamwe nehupenyu hwevanhu.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoudzwa muBulawayo kuti bato ravo rinofanirwa kunzwa zvinodiwa nevanhu kana richida kukunda musarudzo dza 2018.
Studio7 inosvitsa nhasi makore gumi nemana ichitepfenyura.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa dambudziko riri kukonzerwa nekunaya zvakanyanyisa kwemvura.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/