Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 18, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Mhirizhonga inotyisa inoitika kuBikita West pamberi pe by-election ichaitwa mudunhu iri.

Pastor Phillip Mugadza vanomiswa pamberi pedare redzimhosva zvichitevera kuporofita kwavanoti vakaudzwa naMwari kuti VaMugabe vachafa muna Gumiguru gore rino.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuMozambique chokurudzira vari kunze kwenyika kuti vaende kumusha kunonyoresa kuitira kuti vazovhota musarudzo gore rinouya.

Zanu PF ne MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzotaura nezvekugadzwa kuchaitwa mutungamiri mutsva weAmerica, VaDonald Trump nemusi weChishanu.

Muchirongwa cheLiveTalk, na 8:00pm tiri kutarisa zvingaitirwe Zimbabwe naVaTrump kana votungamira America.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro Yenhau Dzanhasi Chitatu, Ndira 18, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG