Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 17, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, voparura hurongwa hwekupinda muvanhu kuti vanzwe pfungwa dzavo pamubatanidzwa wemapato.

Gurukota rezvemaguta, VaSavior Kasukuwere, vanoti vane dzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo dzakavhiringwa nemafashanu havasi kuzobatsirwa nehurumende.

Vana chiremba vonyunyuta kuhurumende vachiti havasi kubatwa zvakanaka kumabaso kwavo.

Studio7 inotarisa zvakadzama kuparara kwaita migwagwa…

Muchirongwa chevechidiki, The Connection na 8:00pm tiri kutarisa zvakaitwa naVaObama kune vechidiki vemuAfrica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro Yenhau Dzanhasi Chipiri, Ndira 17, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG