Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 13, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Sangano reHuman Rights Watch rinoburitsa gwaro rinoti kodzero dzevanhu dziri kuramba dzichityorwa nemapazi ehurumende.

Sangano revarairidzi vekumaruva rokurudzira nhengo dzaro kushanda zvishoma senzira yekunyunyuta kusabhadharwa kwenhengo dzaro mabhonasi egore rapera.

Vanoshandisa nharembozva votambira nemufaro kumiswa kwehuronga hwekukwidza mari dzinobhadharirwa dhata.

Vanotengesa mumigwagwa voramba kutambira kurudziro yekanzuru yeHarare yekuti vasatengesera mumigwagwa…

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa chikwata chema Warriors icho chiri kutanga makwikwi eAfrica Nations Cup neSvondo chichitashurana neAlgeria.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu Ndira 13, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG