Zvikoro zvavhurwa nhasi vabereki vakawanda vachichema chema nerekushaya mari, ukuwo muzvikoro musina kumira zvakanaka.
Vamwe vana vanotadza kuwana nzvimbo dze Grade One kuChinhoyi.
Chipata pata paMbare Musika vanhu vachiita mabhindauko avo panguva iyo vamwe vari kutya kubatwa nechirwere che typhoid.
Mitemo yemabasa nevashandi yotemesa vashandirwi musoro zvopa kuti vakurudzire kuti ivandudzwe
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa kuvhurwa kwaitwa zvikoro panguva iyo vabereki vakawanda vasina mari.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/