Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 09, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Zvikoro zvovhurwa vabereki vakawanda vachichema chema nerekushaya mari dzechikoro dzevana vavo.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanosvika zana votanga kumiswa pamberi pematare edzimhosva vachipomerwa mhosva dzekukonzera mhirizhonga pamwe nekuratidzira vasina mvumo.

Vatsigiri venhabvu voshora zvikuru mabatirwo akaitwa chikwata chema Warriors apo chaive mukembi chisati chaenda kumakwikwi e 2017 Africa Nations Cup.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa zvingaitwe nechikwata che Zimbabwe Warriors kumakwikwi e 2017 Africa Nations Cup.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona. Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro 9, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG