Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 12, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vakawanda vanokwanisa kutora mari dzavo kumabhanga akasiyana-siyana muHarare, asi mamwe mabhanga anga aine mitsetse mirefu zvikuru.

Asi vanhu vakawanda vanotadza kutora mari dzavo mumabhanga ekuChinhoyi zvichinzi mabhanga aya anga asina mari.

Vashandi vakawanda vekanzuru yeguta reHarare vanoti vava kuomerwa nehupenyu zvekuti vachange votadza kuenda kumabasa avo nepamusana pekushaya mari inovakwanira.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya bhajeti rehurumende regore rinouya iro richazeiwa muparamende nemusi weChina.

Kushaikwa kwemvura kovhiringa hupenyu hwevanhu nemhuka kunzvimbo dzkapoteredza Hwange National Park

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa kuipa kwakaita huori uhwo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakavimbisa kurwisa. Muchirongwa ichi tichange tichitarisa kuti huori uhu huri kuvhiringa zvakadii budiriro yevechidiki munyaya dzehupfumi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG