Kuramwa mabasa kwavanachiremba vakuru vange vachirapa varwere vari kurwarisa kwopa kuti vakawanda vatyire kuti hama dzavo dzine zvirwere zvinorapika dzinogona kushaya.
Asi gurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo vanoti vose vari kuramwa mabasa vachadzingwa kwotsvagwa vamwe vanachiremba vanotora mabasa avo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voita musangano nevechidiki kuRimuka Stadium, Kadoma.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa voita musangano nedunhu reHarare vachitaura nezvehutungamiri.
Masangano nemapato ezvematongerwo enyika oenderera mberi achicherechedza mazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu zvikuru madzimai nevanasikana kubva kumhirizhonga yemudzimba.
Muchirongwa chedu chezvinosangana nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika cheDiaspora Forum na8 pm nhasi, tiri kutarisa kusungwa kuri kuitwa vanhu vasina magwaro ekushanda muSouth Africa nemapurisa vachienda mumakambani
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum