Accessibility links

Breaking News

Chikonzi Chonetseka Kuwana Vanhu Vakadomwa neMutongo waVaChiweshe


Dr. Peter Magombeyi
Dr. Peter Magombeyi

Chikonzi chedare repamusoro (sheriff) chinonzi hachisati chakwanisa kupa vakuru vakuru vemapurisa magwaro aturwa nedare redzimhosva zvichitevera mutongo wapihwa naVaGeorge Chiweshe.

VaChiweshe vapa mutongo wekuti mapurisa haana mvumo yekurambidza Dr. Peter Magombeyi, kubva pachipatara cheAvenues Clinic kuitira kuti vakwanise kuenda kunorapwa kuSouth Africa.

Rimwe remagweta ari kumirira Dr. Magombeyi, VaAlec Muchadehama, vaudza Studio7 kuti chikonzi hachisati chasvitsa mapepa aturwa nedare kuitira kuti Dr. Magombeyi varegedzwe vachibuda muchipatara mavari.

VaMuchadehama vati chikonzi hachisati chakwanisa kuwana vanhu vakadomwa mumagwaro ane mutongo waVaChiweshe.

Dr. Magombeyi, avo vanova vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors' Association, vanonzi vakapambwa musi wa Gunyana 14, vakazowanikwa vari kuNyabira musi waGunyana 19.

Vari kuziva zviri kuitika vanoti Dr. Magombeyi vakatochwa apo vaive muhunhapwa.

Hurumende inoti iri kuchengetedza Dr. Magombeyi kuitira kuti hupenyu hwavo husavhiringwa.

Asi magweta aVaMagombeyi anoti zviri kuitwa nemapurisa zviri pachena kuti aisa Dr. Magombeyi muhusungwa sezvo ari kuvarambidza kubuda muchipatara cheAvenues Clinic.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG