Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveChina Zvinomwe Zvichiri Mutirongo Zvotarisirwa Kubuda neMugovera


Chinese citizens entering a court in Zimbabwe
Chinese citizens entering a court in Zimbabwe

Zvizvarwa zveku China zvinomwe zvakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti zvitongwe zvichibva kumba, zvichiri mu remand prison sezvo magwaro azvo asati apera kugadzirwa.

Vasungwa ava, avo vakasungwa ku Victoria Falls gore rapera mushure mekuwanikwa vaine zvidimbu zvenyanga dzechipemberere dzinorema makirogiramu makumi maviri, vakanzi vabhadhare zviuru zvishanu pamunhu zvemadhora ema RTGS.

Vakanziwo vazvipire kumapurisa epa Victoria Falls katatu pazuva, uye kuisa mapasipoti avo mumaoko amabharani wematare.

Gweta riri kumirira vasungwa ava, Va Givemore Muvhiringi, vati vachiri kugadzirisa magwaro ekuti varume veku China ava vaburitswe muhusungwa neMugovera.

Va Muvhiringi vati vasungwa ava vari kutarisirwa kumira zvakare pamberi pedare nemusi weMuvhuro, sezvinodiwa nemutemo, kunyange hazvo vachange vachibva kudzimba dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG