Accessibility links

Breaking News

Murume weChipiri Kurapwa HIV/AIDS Obudirirawo Zvakaita Timothy Ray Brown


Timothy Ray Brown
Timothy Ray Brown

Tarisiro yekuti pasi rino richava nemushonga unogona kurapa zvachose HIV/AIDS yakasimudzirwa zvikuru mupfungwa dzevanhu pamwe navana mazvikokota munyaya dzehutano zvichitevera kubudirira kunonzi kwakaita mumwe murume wekuLondon, muBritain, kubviswa hutachiwona uhu muviri make.

Murume wekuLondon uyu, uyo ari kudaidzwa nerekuti The London Patient, ndewe chipiri kuita mashura akadai zvichitevera kubudirira kwakaitika makore gumi apfuura pamurume wekuBerlin, anonziwo The Berlin Patient, uyo akarapwawo kudzamara mumiviri make musisina hutachiona.

Zita raBerlin Patient, ndiTimothy Ray Brown.

Murume wechipiri uyu akarapwa nenyanzvi dzepazvikoro zvepamusoro soro zvemuBritain, University College of London ne Imperial College, kubva muna 2016.

Vana mazvikokota munyaya dzehutano vanoti murume uyu haachina kana zvinoratidza muropa make kuti ane hutachiona.

Vana chiremba vari kushanda mukutsvaga mushonga unorapa HIV/AIDS vanoti vanotarisira kuti murume wechipiri uyu arapika zvachose, sezvo vasingazive zvinogona kuzoitika zvakare muropa make mushure mekurapwa uku.

Chiremba aitungamira hurongwa hwekurapa The London Patient, uyo akawanikwa aine HIV muna 2003, Muzvinafundo Ravindra Gupta, vakaudza vatori venhau kuti mushure mekumira kunwa mushonga unoderedza hukasha kweHIV/AIDS, kana kuti antiretroviral drugs kwemwedzi gumi nemisere, ari pasi pechirongwa chekurapwa pachishandiswa stem cell transplant, murume haasisina zvachose hutachiona mumuviri make.

Kubudirira kwekurapa murwere pachishandiswa nhengo dzemiviri dzinenge dzabva kune mumwe munhu kuri kutaurwa nezvako kumusangano uri kuitirwa kuSeattle mudunhu reWashington muAmerica.

Musangano uyu unopera neChina.

Chipangamazano munyaya dzeHIV/AIDS musangano reElizabeth Glaser Pediatric AIDS Foundation, Doctor Rhoderick Machekano, vanoti ya The London Patient inyaya inofadza chose nekuti ichazarura nzira yekukwanisa kurapa chirwere ichi muvanhu vakawanda kunyange hazvo marapiro akadayi asingabudiri muvanhu vese.

Doctor Machekano vanoti hunyanzvi hwabudirira pakurapwa kwemurume wechipiri uyu, hwakafana nekubudirira kunogona kuita munhu anenge aitwa oparesheni achibviswa chiropa kana itsvo achibva apihwe nhengo dzemuviri dzemumwe munhu.

“Dzimwe nguva munhu uyu anogona kubudirira zvakanaka ndokana nhengo idzi dzikawirirana naye. Zvinogona kuitikawo kuti munhu uyu anogona kuwirirana nenhengo dzemumwe munhu dzinenge dzaiswa pamuviri wake,” vadaro Doctor Machekano.

Vatiwo chinhu chakakosha ndechekuti kubudirira kwekurapa nenzira yekupihwa bone marrow cells kubva kune mumwe munhu, zvinofadza zvikuru, sezvo zvichiratidza kuti chirwere ichi chinogona kurapika nenzira yakadai.

Sangano reUNAIDS rinoti vanhu vanosvika mamiriyoni makumi mana vari kurarama neHIV/AIDS pasi rose, uye miriyoni imwe chete nemazana matatu ezviuru vari vanhu vemuZimbabwe.

Hurukuro naDoctor Rhoderick Machekano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG