Sarudzo dzemuAmerica dzakaitwa musi wa 3 Mbudzi dziri kuramba dzichikonzera mutauro wakanyanya pasi rose vamwe vachiti munongedzo wejutongo hwejekerere asi vamwe vachiti kusatambirwa kwadzo nemutungamiri wenyika, VaDonald Trump, kunosiya pasina zvakawanda zvekudzidza kubva madziri.
Kunyange hazvo VaTrump vasati vatambira kukundwa kwavakaitwa musarudzo, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, uye vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe ,vakatokorokotedza VaJoe Biden vebato remaDemocrats.
Vamwe vatungamiri vavakorokotedza VaBiden vanosanganisira vekuNigeria, Kenya, South Africa, France, Germany, Israel, Canada, Britain nedzimwe nyika.
Asi mutungamiri wenyika yeRussia, VaVladimir Putin, havasi kukorokotedza VaBiden vachiti zvakabuda musarudzo hazvisati zvapetwa.
Hukama hweZimbabwe neAmerica hauna kumira zvakanaka kubva vatungamiri vehurumende yeZanu-PF zvavakatemerwa zvirango vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu muna 2003.
Asi ivo vakuru vanoti nyaya yakapa kuti vatemerwe zvirango inyaya yekuti vakagovera minda kuvatema vachitorera varungu.
Vachiaura nezvesarudzo idzi, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaFarai Maguwu, vanoti pane zvakawanda zvinodzidzwa neZimbabwe zvikuru kusaponda vanopikisa nekumbunyikidza vatori venhau.
Asi nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Dzikiti, vanoti hapana zvakawanda zvekudzidza nekuti Zimbabwe inotoita sarudzo dziri nani.
Facebook Forum