Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Council of Churches Yoita Musangano neNhengo dzeParamende


Reverend Kenneth Mtata,
Reverend Kenneth Mtata,

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika izvo zvava kupa kuti vamwe vemakereke vatsvage nzira dzingagadzirise zviri kunetsa munyika.

Vachitaura mushure memusangano waitwa neChina pakati penhengo dzeZimbabwe Council of Churches nenhengo dzeparamende muguta reHarare, Mufundisi Emmanuel Maforo, vati matambudziko ese ari munyika ari kukonzerwa nezvematongerwo enyika, nokudaro anofanirwa kugadziriswa.

Nhengo yeZanu PF inomirira Harare Central muparamende, Amai Miriam Chikukwa, vati vanhu vanofanira kuregerererana kuitira kuti vagone kugadzirisa zviri kunetsa munyika nekutaurirana. Vatiwo zvakakosha kuti nhaurirano dziitwe nekuchimbidza munyika.

Mumiririri weZvimba North muparamende, uye vari nhengo yeZanu PF, Amai Marian Chombo, vanoti dai vanhu vamira kunongedzerana votsvaga kuti vatungamiri vemapato vogara pasi seyi vachitaurirana.

Amai Chombo vatiwo vashamisika kuti vakuru vedzikerereke vanoshaya mikana yekusangana nemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, kuti vataure navo nezvenhaurirano.

Mashoko Amai Chombo anotevera mashoko eZimbabwe Council of Churches ekuti iri kukundikana kubata VaMnangagwa kuitira kuti vavasume nyaya yenhaurirano.

Studio7 haina kukwanisa kubata nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzapinda mumusangano wanga wadaidzirwa neZimbabwe Council of Churches.

Kereke iyi yakasvitsa chikumbiro chekusangana nenhengo dzeparamende kumutauriri weparamende, VaJacob Mudenda.

MuZimbabwe mune gakava riripo zvichitevera mafambisirwo akaitwa sarudzo munyika idzo dzakaona Zimbabwe Electoral Commission ichidoma VaMnangagwa semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Izvi zvakapikiswa naVaChamisa, asi dare reConstitutional Court rakapa mutongo wekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo.

Kubva ipapo, MDC yakabva yati haitambire VaMnangagwa semutungamiri wenyika, ukuwo VaMnangagwa vachitiwo vakazvipira kushanda nemunhu wese chero achicherechedza kuti ndivo mutungamiri wenyika.

Nepamusana pekusagadzikana kuri munyika, pamwe nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu, sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rakaronga kuratidzira kwemazuva matatu richiti vashandi vava kuomerwa nehupenyu.

Asi kuratidzira uku kwakasiya vanhu vanodarika gumi nevaviri vafa, vazhinji vavo mushure mekunge vapfurwa nemabara epfuti.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti vanhu vanodarika makumi manomwe vakarapwa maronda emabara epfuti, vamwe vakaitwa maoparesheni ekubvisa mabara aive mumiviri yavo.

Sangano iri rinotiwo vanhu vanodarika mazana mashanu vakarapwa mushure mekukuvara zvine chekuita nemhirizhonga yemazuva matatu, iyo yakaona mapurisa nemasoja achipinda mudzimba dzevanhu achivarova nekuvasunga.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti pane vanhukadzi vanodarika makumi maviri vakabatwa chibharo nevarume vaive nepfuti, uye vakapfeka mbatya dzemasoja.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvagwa, vakaudza Studio7 kuti vari kutambira mashoko emadzimai anonzi akabatwa chibharo, vakati madzimai aya anofanirwa kuzivisa mapurisa, kana kuudza masangano anoshanda akazvimirira kava achitya kuenda kumapurisa.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, iro riri kubatsira vanhu vakawnda vakasungwa mumhirizhonga iyi, rinoti vanhu vanodarika chiuru vari muhusungwa pari zvino munyika yose, uye vamwe vacho vana vari pasi pezera asi matare achiti ari kuvatonga sevanhu vabva zera.

Hurumende, kuburikidza nemutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, inoti mhirizhonga iyi yakakonzerwa neMDC inoda kumanikidza VaMnangagwa kuti vaumbe hurumende yemubatanidzwa naVaChamisa sezvakamboitika muna 2008.

Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakabviswa pachigaro zvechisimba nemauto muna Mbudzi 2017, vakaumba hurumende yemubatanidzwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe naVaArthur Mutambara muna 2008 mushure mekunge vanhu vakawanda vaurayiwa mumhirizhonga yakaitika pamberi pesarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa muna 2008.

Sarudzo yekutanga yakaona VaTsvangirai vachikunda VaMugabe, asi vachikunda zvisina mutsindo, izvo zvakaita kuti sarudzo iyi idzokororwe.

Asi VaChamisa vanoti havadi zvehurumende yemubatanidzwa, asi kuti panofanirwa kuitwa nhaurirano dzinoumba gwara rakanaka remangwana enyika.

VaChamisa vanoti vari kusvitsa gakava riri muZimbabwe kumasangano anoti Southern African Development Community, African Union neUnited Nations kuitira kuti apindire sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Vanotiwo vava kutyira hupenyu hwavo sezvo nhengo dzavo zhinji dziri kuswera dzichishungurudzwa nemapurisa nemasoja.

Kutaura kuno, pane nhengo dzeparamende dzine chitsama dziri mutirongo dzichipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga.

Nhengo idzi dzinosanganisira mumiriri weMbizvo muparamende, VaSettlement Chikwinya, mumiriri weMkoba, VaAmos Chibaya, nevamwe.

Pastor Evan Mawarire vakasungwawo mukuratidzira uku uye vari panze mushure mekubvisiswa mari yechibatiso.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paUniversity of Bergen kuNorway, Doctor Victor Chimhutu, vanoti zvematongerwo enyika zvikadzamara zvagadziriswa munyika, zvimwe zvinhu zvese zvinofamba negwara kwaro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG