Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Inoda Rubatsiro rweMari yeKurwisa HIV/AIDS


Mukuru wesangano reNational Aids Council, Va Raymond Yekeye, vanoti kunyange hazvo sangano ravo riri kutarisira kushandisa mari inobva kuAIDS Levy mukutenga mishonga yevanorarama neHIV/AIDS, sangano ravo rinoda mari yakawanda kuitira kuti rikwanise kupa rubatsiro kuvanhu vakawanda vakatarisana nedambudziko rekushaya mishonga.

VaYekeye vataura mashoko aya pamusangano mukuru we 2012 International AIDS Conference wapinda muzuva reChipiri muWashington DC.

VaYekeye vanoti kunyange hazvo mari inobva kuAIDS Levy pari zvino iri kushandiswa mukubatsira vanhu vanosvika zvikamu makumi maviri nezvitatu kubva muzana zvevanhu vanorarama neHIV/AIDS, vati vanotarisira kuti huwandu hwemari inobva kuhomwe iyi huchakwira kuitira kuti vanhu vazhinji vawane mishonga inoderedza hukasha hwemarwadzo anokonzerwa neHIV/AIDS.

VaYekeye vanoti vari kutarisira mari inobva kuhomwe ye AIDS Levy kuti ichasvika pamamiriyoni makumi matatu nemashanu emadhora, izvo zvichabatsira mukurwisa dambudziko reHIV/AIDS.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutevedzeri wemunyori mubazi rezvehutano muAmerica, Va Howard Koh, vatiwo zvakakosha kuti masangano akasiya siyana ashande pamwe chete mukutsvaga nzira dzekuti vanorara nehutachiwona hwe HIV/AIDS vawane mishonga pachine nguva, kwete kuzvinonokera.

Mumwe wevanhu vari pamusangano uyu, VaMkondisi Mkandla, vanoti vechidiki vanorarama nehutachiwona vari kusangana nedambudziko rekusemwa nevamwe, izvo vati zviri kudzora shure zvirongwa zvekurwisa HIV/AIDS munyika.

VaMkandla, avo vanoshandira sangano reDoctors Without Border, vanoti zvakakosha kuti vechidiki vawane rubatsiro kubva kuhurumende kuitira kuti dambudziko reHIV/AIDS ripere zvachose.

Sezvinogara zvakanaitika pamisangano mikuru yakadai, vamwe vanomirira kodzero dzevanorarama neHIV/AIDs varatidzira muWashington vachikurudzira dzihurumende dzepasi rose kuti mishonga inobatsira vanorarama neHIV/AIDS iwanike nevanhu vose vanoida.

Musangano wegumi nepfumbamwe we 2012 International AIDS Conference, wakaparurwa neSvondo, apo pakataurawo chizvarwa cheZimbabwe, Annah Sango, uyo akakurudzira vechidiki kuti vatore matanho ekuona kuti nyaya dzehutano hwavo dzachengetedzwa sekodzero dzizere.

Musangano uyu uri kuitwa muAmerica zvichitevera danho rakatorwa nemutungamiri wenyika iyi, VaBarack Obama, rekubvisa mutemo unorambidza vanhu vekunze vanorarama HIV/AIDS kushanyira nyika iyi.

XS
SM
MD
LG