Accessibility links

Breaking News

Sangano reZIFA Rotsvaga Murairidzi Mutsva


Soccer Ball

Sangano reZimbabwe Football Association razivisa kuti richange richitanga kutsvaga murairidzi mutsva weZimbabwe Warriors muchinguva chinotevara.

Murairidzi uyu achange achibatsirwa na Technical Advisor achabva kuGermany, Va Klaus–dieter Pagels, avo vari kutarisirwa kutanga basa mwedzi unouya.

Pari zvino vakasanobata chigaro chemurairidzi weZimbabwe Warriors, Va Norman Mapeza, ndivo vachamboramba vakabata matomhu kusvika kwawanikwa murairidzi mutsva.

Vanoongorora zvemitambo vanoti ZIFA inofanirwa kugadzirisa zvinhu isati yatsvaga murairidzi mutsva.

Vaimbove murairidzi weZimbabwe Warriors, Va Sunday Chidzambwa, vanonzi pari zvino vachiri kunetsana neZIFA pamusoro pemari dzavo dzemuhoro dzavasina kupihwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwakudivi reZifa.

XS
SM
MD
LG