Accessibility links

Breaking News

Sangano ReZIFA Ronyimwa Mvumo Yekuti Murairidzi Wenhabvu Tom Saintfeit Arairidze Chikwata


Bazi re Immigration ranyima zvakare murairidzi wekuBelgium Tom Saintfeit, mvumo yekuti ashande munyika nezuro.

Saintfeit akanga apihwa basa rekurairidza Zimbabwe Warriors asati ave nemapepa ekushanda munyika.

Akadzingwa munyika muna Gumiguru nehurumende.

Ichi chava chikumbiro chechipiri che ZIFA chichiramba kutambirwa nehurumende. Vatsigiri venhabvu vari kukurudzira ZIFA kuti igadze murairidzi mutsva wechikwata chemaWarriors nechimbi chimbi.

Muongorori wenhabvu, vaFabian Mahembe, vanotikugadzwa kwemurairidzi mutsva kunofanirwa kuitwa chikwata chisati chaenda kuma kwikwi makuru e 2011 African Championship Of fNations( CHAN) ayo achatambirwa kuSudan muna Kukadzi gore rinouya.

XS
SM
MD
LG