Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yonyunyuta neKumbomiswa Basa kweVashandi veNestle Zimbabwe


Zanu-PF inoti Nestle yakazvisikira moto muziso nekuramba kutenga mukaka kubva kupurazi raAmai Grace Mugabe.

Sangano revashandi reZCTU rinoti harisi kufara nekumbomiswa basa kwevashandi veNestle Zimbabwe. Izvi zvinotevera kunetsana kwekambani iyi nemakurukota ehurumende ari kudivi reZanu-PF vachitsigirwa nevakuru vemapurisa.

Ropa rakaipa rakauya mushure mekunge Nestle yaramba kutenga mukaka kubva kupurazi reGushungo Dairy Estate rinova raAmai Grace Mugabe mudzimai wemutungamiri wenyika.

Nestle yakaramba kutenga mukaka kupurazi iri munaGunyana mushure mekunge yashoropodzwa nevanorwira kodzero dzevanhu vachiti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutyora kodzero dzevanhu uye purazi iri rakatorwa nechisimba.

VaLovemore Matombo ndivo mutungamiri weZCTU. VaMatombo vanoti pose panorwa nzou huswa ndiwo hunonzwa nekutsokodzerwa nekudaro vati vari kurwadziwa moyo nekushupika kwevashandi pahondo yehurumende nemhuri yemutungamiri wenyika.

XS
SM
MD
LG