Accessibility links

Breaking News

Sangano ReHarare Residents Trust Roronga Mitambo Yeku Zeya Zvinetswa Zvevagari


Sangano re Harare Residents Trust rinoti rave kushandisa mitambo senzira yekupa mukana kuvagari vemuguta iri kuti vazeye nzira dzekugadzirisa zvinhu zvisina kumira zvakanaka munharaunda dzavanogara.

Sangano iri rinoti richange riine mitambo yenhabvu mangwana kuMabvuku apo zvikwata zvina zvevarume zvichakwikwidzana pamutambo we Harare Residents Trust Community Sheild.

Zvikwata zvina zvemadzimai zvichakwikwidzanawo pamutambo we netball uchatambwawo mangwana.

Sangano iri rinogara rakakurudzira vagari kuti vachenese nzvimbo dzavo sezvo guta riri kutadza kutakura marara.

Mukuru we sangano re Harare Residents Trust, va Precious Shumba, vanoti vagari vemuguta vakawanda vari kushushikana nenyaya yekuti havana ma title deeds edzimba dzavarikugara izvo zviri kuita kuti vagare vachityira kutorerwa imba dzavo. VaShumba vanoti vagari vazhinji vemuHarare vakatarisana nedambudziko rezvikwereti zvemari zhinji kuma kambani akadayi se ZESA ne City Council izvo zvingazoita kuti vatorerwe dzimba kana vaka tadza kubhadhara zvikwereti izvi.

XS
SM
MD
LG